Accessibility links

Breaking News

Gadziriro yeSarudzo Iri Kufamba Zvakanaka: SADC


Sangano reSADC rinoti riri kufara nemamiriro akaita zvinhu mugadziriro dzesarudzo.

Asi mumwe anoshanda naSimba VaMakoni, VaIbbo Mandaza, vanoti vane humbowo hwekuti hurumende yakatopinza munyika vamwe vanhu vekuIsrael nekuPakistan, avo vachaibatsira kubira sarudzo idzi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi. SADC yakatiwo zvakataurwa nemauto zvekuti havasarute VaTsvangirai kana VaMakoni, hazvina basa chero zvisina kutaurwa neZEC.

Sachigaro weZESN, VaNoel Kututwa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti vanotiwo havasi kufarawo nemamiriro akaita zvinhu munyika.

Chikwata chemuSouth Africa, chiri kuongorora sarudzo chiri pasi peSADC chapinda munyika neChina kuti chitange kuongorora sarudzo dzemuZimbabwe.

Mutungamiri wechikwata ichi, VaKingsley Mamabolo, vakomekedza vari muchikwata ichi kuti vasataure zvavanenge vaona sezvo South Africa iri kushanda iri pasi peSADC rwendo runo.

SADC inonzi ndiyo chete ine mvumo yekutaura nezvesarudzo idzi. Asi vamwe vari muchikwata ichi vataura neStudio 7 vati vachataura zvavanenge vaona, pamusoro pesarudzo idzi, zvisineyi nekurambidzwa kwavari kuitwa uku.

VaAlois Chaumba ndivo National Director veCatholic Commission for Justice and Peace.

VaCHaumba vaudza Carole Gombakomba weStudio 7 kuti South Africa ine chekuvanza pane zviri kuitika musarudzo dzemuZimbabwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG