Accessibility links

Breaking News

Nhumwa dzeSouth Africa Dzoudzwa Kuti Dziite Zvemeso Chete Pasarudzo dzemuZimbabwe


Chikwata chemuSouth Africa chiri kuongorora sarudzo chiri pasi peSADC chapinda munyika neChina kuti chitange kuongorora sarudzo dzemuZimbabwe.

Mutungamiri wechikwata ichi, Va Kingsley Mamabolo, vakomekedza vari muchikwata ichi kuti vasataure zvavanenge vaona sezvo South Africa iri kushanda iri pasi peSADC rwendo runo.

SADC inonzi ndiyo chete ine mvumo yekutaura nezvesarudzo idzi. Asi vamwe vari muchikwata ichi vataura neStudio 7 vati vachataura zvavanenge vaona, pamusoro pesarudzo idzi, zvisineyi nekurambidzwa kwavari kuitwa uku. Mai DiannKohler Barnard,vebato rinopikisa reDemocratic Alliance, vaudza Studio 7 kuti hapana chinovatadzisa kutaura sezvo ivo vainewo pfungwa dzavo nemaonero avo.

VaAlois Chaumba ndivo National Director veCatholic Commission for Justice and Peace. Mutori wenhau weStudio 7 Carole Gombakomba ataura naVaChaumba kuti tinzwe pfungwa dzavo pakukomekedzwa kuri kuitwa vaongorori ava.

Dzimwe nhau kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG