Accessibility links

Breaking News

VaMudzuri Votaura Zvinobata Moyo Yevakawanda muWarren Park


Apo kwasara masvondo maviri chete ekuti sarudzo dzichiitwa munyika, mapato ezvematongerwo enyika ari mushishi rekutsvaga rutsigiro uye kupa zvaachazoitira vanhu kana akunda musarudzo.

Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsavngirai, rinoti richaita misangano mumatunhu ose enyika uye VaTsvangirai vachashanyira Mashonaland East neMashonaland West svondo rino, vozoita musangano mukuru musi wa23 mwedzi uno muHarare. Asi MDC inoti nhandare yavanga vachifanirwa kushandisa, yavakunzi yakabhukwa kare neZanu PF.

Ukuwo, mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara, VaGabriel Chaibva, vanoti bato ravo rine zvakawanda zvariri kuitawo asi havana kuda kutsanangura. Tatadza kubatawo vemativi aDoctor Simba Makoni neZanu PF, sezvo nhare dzavo dzanga dzisingapindi.

Munyori anoona nezve kufambiswa kwemabasa ezvematongerwo enyika muMDC yaVaTsvangirai, VaElias Mudzuri, vakaiata musangano nevatsiogiri vavo kuWarren Park mukupera kwesvondo. Vachitaura pamusangano uyu, VaMudzuri vakati bato ravo rakazvipira kubvisa Zimbabwe mumatope ayiri. Vakatiwo MDC ibato rakazvipira kuita zvido zvevanhu, uye kana rikatadza kuita zvido zvevanhu kana rava kutonga, vanhu vanofanirwa kuribvisa pamasimba ezvematongerwo enyika.

Zvinonzi vamwe vanhu vakasvimha misodzi apo VaMudzuri, avo vaimbove meya weHarare, vaitaura zvinobata vanhu moyo.

Engineer Mudzuri vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti bato ravo richatotsvaga imwe nzvimbo yekuitira musangano wavo mukuru wemuHarare sezvo nhandare yeZimbabwe Grounds, iyo vanga vachida kushandisa, yava kunzi ichashandiswa neZanu PF.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG