Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Oga Anoti Nyika Haina Kugadzirira Zvakakwana Sarudzo


Munyika hamuna kuwirirana panyaya yekuti mungaitwe sarudzo dzakachena here kana kuti kwete musi wa29 Kurume.

Hapana kuwirirana pane vari kuongorora kuti pangaitwa sarudzo dzakachena here, kana kuti kwete.

Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vanoti sarudzo dzichafamba zvakanaka.

Asi mapato anopikisa uye mamwe masangano ekunze nehurumende dzakaita seAmerica nenyika dziri mu European Union, dzinoti maitiro aVaMugabe anoratidza pachena kuti sarudzo dzichabiridzirwa.

Chimwe chavakuvhundutsa vamwe vanhu vakawanda, inyaya yemashoko ari kutaurwa nevakuru vemauto, mapuria, nevemajere avo vanoti havasi kuzosaruta vatungamiri vanoshandiswa nevachena, kana kuti zvimbwasungata. Mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, vava munhu wechitatu kutaura mashoko anotsigira izvi.Mukuru wemauto, VaConstantine Chiwenga, pamwe nemukuru wemajere, VaParadzai Zimondi, vakatiwo VaMugabe vakakundwa musarudzo, havasi kuzoremekedza anenge asarudzwa semutungamiri wenyika.

Mukuzeya nyaya iyi mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 abata sachigaro weZESN, VaNoel Kututwa, pamwe na Advocacy Officer weCrisis in Zimbabwe Coalition, Muzvare Gladys Hlatshwayo, avo vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzesarudzo munyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG