Accessibility links

Breaking News

Mikono Yokweshana Musarudzo dzekuZengeza West


Senzira yekuti vateereri vazive vanhu vari kuvamirira musarudzo, nhepfenyuro yeStudio 7 iri kutaura nevari kukwikwidza musarudzo dzedare reparamende. NeChitatu takange tiri kutarisa zviri kuitika kuZengeza West Constituency, iyo ine mapato mana ari kukwikwidza.

Zanu PF iri kumirirwa naVaPatrick Nyaruwata, MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai iri kumirirwa naVaCollin Gwiyo, UPP iri kumirirwa naVaMaxwell Simbai, uye VaArthur Mutambara ndivo vari kumirira chikwata chavo cheMDC. VaMutambara vati havakwanisi kutaura nesu pari zvino sezvo vakabatikana.

VaNyaruwata, VaGwiyo, naVaSimbai vaita hurukuro nemutori wenhau dzeStudio7, Blessing Zulu, vachimuudza zvavachaitira vanhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG