Accessibility links

Breaking News

America Inoti Vanhu Vakashungurudzwa Zvakanyanyisa muZimbabwe Gore Rapera


Hurumende yeAmerica inoti gore ra2007 igore rakanga rakaipisisa zvikuru munyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Mugwaro rakaburitswa nenyika iyi nemusi weChipiri, iro rinotarisa kodzero dzezvanhu pasi rose, America inoti hurumende yaVaMugabe yakashungurudza pamwe nekusunga vanorwira kodzero dzevanhu, vashandi uye vezvematongerwo enyika zvisina tsarukano.

Gwaro iri rinoti nyaya dzinodarika zviuru zvisere dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu dzakaitika munyika, uye nyaya dzinoda kusvika chiuru nemazana matanhatu, ndedzekusungwa kwevanhu zvisiri pamutemo.

VaOtto Saki ndivo Coordinator musangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights.

VaSaki vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti kutyorwa kwekodzero hakusi kusungwa nekurohwa chete, asi kuti kana kushayisa vanhu chikafu nekuoma kwehupenyu kuchikonzerwa nehurumende, kutyorwawo kwekodzero.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG