Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yosiya PTUZ Pamusangano Wayo neZimta


Sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ, ranyorera hurumende tsamba richinyunyuta nekusiiwa kwaraitwa muhurukuro dziri kutarisirwa kuitwa neChipiri, pakati pehurumende nesangano reZIMTA.

Tsamba iyi yanyorerwa Public Service Commission, iyo ichange iri mumusangano uyu. PTUZ inoti pamutemo inofanirwa kunge ichipindawo mumusangano uyu isina vainokumbira mvumo. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende kuti seyi isina kukokawo PTUZ.

Mukupera kwesvondo, gurukota rezvedzidzo, VaAenias Chigwedere, vakazivisa kuti hurumende ichawedzera mari kuvashandi vayo vose.

Varairidzi vari pakati pekuramwa mabasa vachiti mari dzavari kutambiriswa, ishoma.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti kusangana kwehurumende neZIMTA, hakusi kuzomisa hondo yevarairidzi kana zvavari kuda zvisina kugadziriswa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG