Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vodzika Mutemo Wekuisa Makambani Mumaoko eVatema


Chirongwa chemutemo mutsva wekupa zvikamu makumi mashanu nechimwe kana kuti 51% kuvatema mumabhizimisi ose ari munyika, chinonzi chakonzera kugedageda kwemeno kune vemabhizimisi.

Asi vakuru vemabhanga nevemigodhi vari kuramba kutaura nezvenyaya iyi. Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vakawanda vekunze vacharega kudyara mari yavo mumigodhi nemumabhanga.

Zvinonziwo hurumende dzeSouth Africa, Australia, Britain nedzimwe nyika dzine makambani akawanda achabatatwa, dzatotanga kuyedza kutaura nehurumende kuti ijekese kuti pachaitwa sei nezvibvumirano zvavakanyorerana zvekuchengetedza mabhizimisi aya.

Asi gurukota rezvekupa hupfumi kuvatema, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti hapana kudududza pahurongwa uhu.

Ukuwo mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries, VaCalllisto Jokonya, vaudzawo Blessing Zulu weStudio7 kuti mutemo uyu wakanaka, asi unofanira kunyatsotevedzerwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG