Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Hapana Chashanduka Panyaya Yemapurisa Musarudzo


Sangano reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, rinoti hapana zvashanduka pamutemo wesarudzo wekuti mapurisa achange ari zvinhambwe mamita zana kubva panzvimbo yekuvhotera.

Izvi zvinotevera mashoko anonzi akataurwa nadeputy officer commanding Victoria Falls nemusi weChipiri ekuti mapurisa achange ari munzvimbo dzekuvhotera, sezvo mutemo uyu wakashandurwa pasi pemutemo wePresidential Powers.

Asi mutauriri weZEC, VaUtoile Silaigwana, varamba mashoko aya vachiti kana pane zvakashandurwa, sangano ravo harisati raziviswa nezvazvo. Mapurisa ekuVictoria Falls aramba kutaura nezve nyaya.

VaPaulos Chiliwede, avo vari kukwikwidza musarudzo dzemakanzura muWard 5 muVictoria Falls, vachimirira MDC yaVaTsvangirai, uye vakapinda mumusangano une mutauro uyu, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti izvi zvaka sagadziridzwa nekukasika zvichakanganisa vanhu munguva yesarudzo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG