Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Mapurisa Achange Asiri Mukati Menzvimbo Dzekuvhotera


Bato reMDC rinoti rinotenda dzanwa dzaswera nebenzi zvichitevera mashoko eZEC ekuti mapurisa achange ari chinhambwe chinoita 100 metres, kubva panzvimbo inenge ichivhoterwa nevanhu.

ZEC inoti mapurisa anobvumidzwa kusvika munzvimbo dzinenge dzichivhoterwa kana achinge adaidzwa chete. Asi MDC inoti mitemo yakawanda iri kuremekedzwa mukutaura chete, asi ichityorwa muzviito neZEC yacho, mapurisa pamwe nevatsigiri veZanu PF.

ZEC yakazivisa kuti ichaita kuti mapurisa amire kure sezvo mapato anopikisa akanyunyuta kuti nhengo dzawo dziri kutyisidzirwa kana kuvhota mapurisa achiona kuti dzavhotera ani.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, VaAbednico Bhebhe, vaudza Studio 7 kuti havasati vanzwa nezvekudzikwa kwemutemo uyu, vakati nekudaro havana chekutaura.

Mutauriri weMDC yaVaTsangirai, VaNelson Chamisa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kana ZEC yakasiyana netsika yekuratidza pachena kuti iri kutsigira bato reZanu PF, sarudzo dzinogona kuitwa murunyararo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG