Accessibility links

Breaking News

SADC Yabuditsa Gwaro Remamiriro Akaita Gadziriro Yesarudzo


SADC inoti chikwata chakatungamira kuZimbabwe kunoona nezvegadziriro yesarudzo, chakatobuditsa gwaro rinotaura nezveongororo yachakaita.

Asi Retired Lieutenant Colonel Tanki Mothae, mutungamiri webazi re Organ on Politics, Defense and Security Affairs, vaudza Studio 7 kuti chikwata chavo hachikwanisi kutaura nezvegwaro iri panguva ino.

Zvisineyi, vanoongorora nezvesarudzo idzi , vari kushora zvikuru danho rehurumende rekusakoka mamwe masangano akazvimirira oga, ekunze kuti auye kuzoongorora sarudzo idzi.

Masangano ane mukurumbira akaita se Electoral Institute of Southern Africa, ne SADC Parliamentary Forum, hasaiti akokwawo, uye pasarudzo dzemuna 2005,, haana kukokwa zvakare. Vanoongorora nyaya dzesarudzo vanoti masangano aya haana kukokwa nekuti pasarudzo dzemuna 2002, akabuditsa magwaro anotaura chokwadi chezvakaitika pasarudzo idzi.

Ukuwo masangano ari munyika haasati apihwawo mvumo yekuongorora sarudzo idzi.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaWellington Mbofana, nhengo yeboard reZESN kuti tinzwewo pfungwa dzavo panyaya yevaongorori vesarudzo.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG