Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yorambidza Vanhu Kutakura Mari Inodarika $500 Million


Hurumende svondo rapera yakadzika mutemo unorambidza kutakurwa kwemari inodarika $500 million, zvichitevera kupasiswa kweStatutory Instrument 21 0f 2008.

Anenge awanikwa aine mari inodarika yakatarwa iyi, anosungwa nemutemo uyu, uye achizopinzwa mudare redzimhosva pasi pemutemo weBank Use Promotion and Suppression of Money Laundering Act.

Mutemo uyu unonzi wakaisirwa kuti vanhu vanoita zvehuori nemari, vasashandisa mari zvisiri pamutemo. Asi veruzhinji vari kuchema vachiti vaomeserwa sezvo zvinhu zvizhinji zvava kuwanikwa pamukoto uye zvichida mari yakawanda.

Nyanzvi mune zvehupfumi, VaLuxon Zembe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mutemo uyu uchanyanyoomesera veruzhinji sezvo zvinhu zvizhinji zvava kuwanikwa pamikoto, iyo inoda mari yakawanda.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG