Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voburitsirana Makano muZanu PF


Nhengo dzeZANU-PF, dzanga dzanyoresa dziri mbiri muconstituency imwe chete, dzatanga kubuda mumakwikwi esarudzo dzemuna Kurume.

Retired General Vitalis Zvinavashe, vakaudza bepanhau reHerald kuti VaDzikamai Mavhaire, negurukuro rinoona nezvekufambiswa kwemari, VaSimbarashe Mumbengegwi, havachakwikwidzi kuMasvingo nekuMwenezi-Cchivi musarudzo dzedare reseneti.

Ukuwo Va Eddison Zvobgo junior, avo vanga vachida kumirira ZANU-PF muMasvingo Central, vatiwo vavakubuda musarudzo, kuitira kuti ZANU-PF ive nemunhu mumwe chete.

VaMavhaire pamwe na political commissar weZanu PF, naVaElliot Manyika, varamba kutaura neStudio7 nezvenyaya iyi.

Matunhu gumi achaitirwa sarudzo ane nhengo dzeZANU-PF mbiri dziri kukwikwidzana, pamwe nemamwe mapoka ezvetaongerwo enyika.

Professor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaMakumbe avo vanoti zviri kuitika mubato iri, zviri kuratidza kuti ZANU-PF yapindwa nedambudziko.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG