Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anosunga Nhengo dzeMDC


Nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai dzinopfuura makumi matatu nenomwe dzinonzi dzarohwa dzikasungwa munzvimbo dzakasiyana siyana munyika.

Vasungwa ava vanosanganisira vari kuda kukwikwidza ku St Mary’s West, VaMarvellous Khumalo. Nhengo idzi dzinonzi dzanga dzichifamba dzichikurudzira vanhu kuti vavhotere bato ravo. Mashoko atiri kutambira anoti dzimwe nhengo dzasungwa dzakachengetedzwa pa St Mary’s police, uye dzimwe dziri kuMatapi police station muMbare.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi, kunzwa kunzwa kuti vasungwa ava vachamiswa pamberi pedare riini.

VaMorgan Komichi ndivo mutevedzeri wemunyori anoona nezvemafambisirwo emabasa ezve matongerwo enyika muMDC.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaKomichi kuti tinzwe kuti zvinhu zvafamba seyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG