Accessibility links

Breaking News

ZIMTA Yokandawo Mapadza Pasi Sezvakaitwa nePTUZ


Sangano revarairidzi reZimbabwe Teachers Association, ZIMTA, ratanga kuramwa mabasa neChina richida kuti mari dziri kutambirwa nevarairidzi dziwedzerwe.

Sangano iri rabatana nenhengo dzerimwe sangano revarairidzi rePTUZ, idzo dzava nemasvondo matanhatu dzichiramwa mabasa, dzichiti dzinoda kuti mari dzavanotambira dzitangire pa$1,7 billion pamwedzi.

Hurumende inonzi yakawedzera mari dzinotambirwa nevemuchiuto zvakanyanyisa ichisiya vamwe vose vashandi vayo, izvo zvinonzi zvakakonzera kunyunyuta kukuru muvashandi vehurumende.

Munyori mukuru weZIMTA, VaRichard Gundani, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti varairidzi vachazodzokera kubasa kana vawana mari dzekufambisa uye kubhadhara mitero yepekugara.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG