Accessibility links

Breaking News

Bishop Bakare Vokurudzira Veruzhinji Kusarudza Vatungamiri Vavanoda


Vakafanobata chigaro chaBishop we dioscece yeAnglican Church mu Harare, Bishop Sebastian Bakare, vanoti vemakereke vanofanirwawo kutora chidanho chekukurudzira vanhu kuti vazive nezvekukosha kwesarudzo.

Bishop Bakare vanoti havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyika pari zvino, sezvo vazhinji vari kutambura nekuda kwehutongi huri munyika. VaBakare mumwe wevafundisi vari kukurudzira vanhu munyika, kuti vanamatire nyika, panguva yesarudzo.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naBishop Bakare avo vanoti vanhu vemuZimbabwe vanofanirwa kuenda kunovhota kuitira hupenyu hwavo huite nani.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG