Accessibility links

Breaking News

Nhengo DzePTUZ Dzosungwa Nemapurisa Zvakare


Nhengo shanu dzeProgressive Teachers Union of Zimbabwe kana kuti PTUZ dzambovharirwa zvakare neChipiri nemapurisa dzikapomerwa mhosva ye Criminal Nuisance.

Nhengo idzi dzinosanganisira munyori mukuru wePTUZ vaRaymond Majongwe, National Co-ordinator vaOswald Madziva, VaCharles Mubwandarikwa, VaBernard shoko VaLadistos Zunde, dzachengetedzwa nemapurisa kutanga na10 0’clock dzemangwanani kusvika na 3 dzemasikati.

Nhengo dzePTUZ idzi, dzakarohwa zvakaipisisa svondo rapera mushure mekurohwa nevechidiki veZANU-PF avo vaivapomera mhosva yekukanda ma-T-shirt pamahofisi avo emuna Fourth street muHarare.

Mutori wenhau we Studio 7, Patience Rusere aita hurukuro naVaMajongwe nezvenyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...

XS
SM
MD
LG