Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti ZEC Yanonoka Kuumba Komiti Ichaunganidza Zvekushandisa Pasarudzo


Sangano riri kuona nezvesarudzo, reZimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC raumba committee ichange ichibatsira pakuronga pamwe nekuunganidza zvose zvingadiwe pakugadzirira sarudzo dzemuna Kurume.

Bepanhau reHerald, rabuditsa mashoko anobva kuna Va Utoile Silaigwana, mutevedzeri wa chief elections operations officer, avo vati kuumbwa kwecommitee iyi, inonzi National Logistics Committee, kwanga kwakatarisirwa kutambirwa nehurumende mugazette yemusi weChipiri.

Amwe masangano ari mu Commitee iyi anosanganisira National Oil Company of Zimbabwe, kana kuti NOCZIM, District Development Fund-DDF,Air Force of Zimbabwe, Public Service Commission neCentral Mechanical Equipment Department.

VaInnocent Gonese, igweta uye vari chief whip veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, vachimirira zvakare Mutare Central mupararamende.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba , aita hurukuro naVa Gonese avo vanoti komiti iyi inofanirwa kuumbwa zviri pamutemo, asi vashora kwavanoti kunonoka kwaitwa ne ZEC, kutora danho iri, sezvo zviri pachena kuti hurumende haina mari, saka yaitofanirwa kunge yakatanga kare kuunganidza zvekubatsirikana nazvo pasarudzo.

Dzimwe nhau kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG