Accessibility links

Breaking News

VaMakoni Vanoti Havana Kubatana Musarudzo naVaMutambara


Vaimbove gurukota rezvemari, Doctor Simba Makoni, avo vakadzingwa muZanu-PF mushure mekunge vabuda pachena kuti vari kupinda musarudzo dzemutungamiri wenyika, vanoti havasi kuzoshanda nemapato anopikisa sezvo zvichizokanganisa vamwe vavo vari mubato reZanu-PF kuti vabatane navo.

VaMakoni vataura mashoko aya neMuvhuro pa nhepfenyuro yekuSouth Africa yeTalk Radio 702.

VaMakoni vanoti vanhu vavakabatanavo chete vanhu veZimbabwe, kwete mapato anopikisa hurumende. Mazuva apfuura, chekwata cheMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, chakati chakanga chabatana naVaMakoni. Asi VaMakoni vakaramba zvakare mashoko aya svondo rapera, vachiti vainge vasina kubatana naVaMutambara.

Asi mutevedzeri wemutungamiri weMDC inotungamirwa naVaMutambara, VaGibson Sibanda, vanoti mashoko ari kutaurwa naVaMakoni ekuti havasi kushanda neMDC haana kunangana nebato ravo, nekuti ivo vakatonyorerana chibvumirano naVaMakoni.

VaSibanda vanoti chibvumirano chavo ndechekuti chikwata chavo nechaVaMakoni, zvisakwikwidzane musarudzo munzvimbo imwe chete. VaSibanda vanoti pavachafamba vachitsvaga ritsigiro rwemavhoti, vari kukurudzira vatsigiri vavo kuti vavhotere VaMakoni pasarudzo yemutungamiri wenyika, asi vachizovhotera vamiriri ve MDC inotungamirwa naVaMutambara, pasarudzo yemakanzura, nhengo dzedare House of Assembly, uye reseneti. VaSibanda vatiwo bato ravo richiri MDC inotungamirwa naVa Mutambara, chashanduka chete ndechekuti VaMutambara havasi kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika.

VaMakoni varambawo mashoko ekuti kupinda musarudzo vakabatana naVaTsvangirai kuchaita kuti VaMugabe vadzokere pachigaro sezvo vachapatsanura mavhoti.

Professor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vanodzidzisa paUniversity of Zimbabwe.

Professor Makumbe vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaMutambara vakakurumidza kumedza kutsenga vachada.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG