Accessibility links

Breaking News

Upfu Hwonetsa Kuwana Mumatunhu eMatebeleland


Matunhu mazhinji emuMatabeleland North neSouth anonzi akatarisana nenzara tsvuku zvichitevera kushaikwa kweupfu muzvitoro.

Matunhu anonzi akanyanyobatwa nedambudziko iri ndeanoti Binga, Tsholotsho, Hwange, Beitbridge, Lupane neMangwe. Zvinonzi vagari vemunzvimbo idzi vave kurara pamitsetse pazvigayo vachitarisira kuti zvimwe vangangowana hupfu.

GMB inonziwo iri kupa zvikonzero zvekuti haisi kukwanisa kusvika mumatunhu mazhinji, sezvo migwagwa yakaparadzwa nemafashamu akaitika munzvimbo idzi.

Mumiriri weMangwe mudare reparamende vachimirira MDC yaVaArthur Mutambara, VaEdward Mkhosi, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti hurumende, kuburikidza neZanu PF, iri kuchengetedza upfu kuti izoshandisa pakutenga mavhoti munguva yesarudzo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG