Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Havasi Kutaurirana naVaMakoni


MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, pamwe nevari kumirira VaSimba Makoni, varamba mashoko ekuti VaTsvangirai vachasangana naVaMakoni musi weSvondo kuti vakurukure mashandiro avo mukubvisa VaMugabe pachigaro.

Bepanhau reZimbabwe Independent rinoti VaMakoni vari kuda zvakanyanyisa kushanda naVaTsvangirai. Anoona nezve kuburitswa kwemashoko kudivi raVaMakoni, VaGodfrey Chanetsa, vati hapana hurongwa hwakadaro.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro nemutauriri waVaTsvangirai, VaGeorge Tshibotshiwa kuti tinzwe divi ravo panyaya yaburitswa ne Zimbabwe Independent.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG