Accessibility links

Breaking News

Mugabe Vanotuka VaMakoni Vachiti Ipfambi


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti VaSimba Makoni, avo vaimbova gurukota rezvemari vasati vadzingwa muZanu-PF, vakafanana nepfambi.

Vachitaura paterevhizheni VaMugabe vakati VaMakoni munhu anonyadzisa uye vakangomhanyirira kuita zvematongerwo enyika vasina anovatsigira. Asi vanoshanda naVaMakoni, Doctor Ibbo Mandaza, vaudza Studio 7 kuti VaMugabe vakura nekudaro vanofanira kunozorora.

VaMandaza vatiwo havasi kushamisika nemashoko avo ekunyomba aya.

VaRejoice Ngwenya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaMugabe vari kurasika pakutuka VaMakoni uye hazvitarisirwe kubva kumutungamiri wenyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG