Accessibility links

Breaking News

ZEC Inozivisa Huwandu Hwenzvimbo Dzichavoterwa


Zimbabwe Electoral Commission yazivisa kuti kuchange kuine nzvimbo dzekuvhotera kana kuti ma polling station anoita zviuru gumi nerimwe munyika yose. ZEC inoti huwandu hwema polling station huchaita kuti vanhu vose vakwanise kuvhota zvakanaka.

Asi vamwe vari kukwikwidza musarudzo vatotanga kuchema chema kare, vachiti nzvimbo idzi ishoma zvekuti panotoda mazuva maviri ekuti vanhu vakwanise kuvhota vose.

Munyori anoona nezve kufambiswa kwemashoko kuBulawayo muMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaFelix Mafa-Sibanda, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti rwendo rwuno kune sarudzo dzakawanda dzinokwana kuita ina, izvo zvichaita kuti vanhu vazhinji vakanganisike pazuva resarudzo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG