Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Voparura Hurongwa Hwesarudzo kuManicaland neMugovera


Mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai, vaive muGweru neChipiri vachisangana nenhengo dzeMidlands South Province dzakatambirwa nenational executive yavo kuti dzikwikwidze musarudzo dzemuna Kurume.

Mutori wedu wenhau, Taurai Shava, anoti VaTsvangirai vakabva muGweru vasina kugadzirisa gakava riri mudunhu iri.

Zvichakadaro, VaTsvangirai neMugovera vari kutarisirwa kuparura hurongwa hwavo hwekutsvaga rutsigiro musarudzo dzichaitwa muna Kurume idzi.

VaTsvangirai vanonzi vachatorawo mukana wekuparura hurongwa hwekutsvaga rutsigiro kwevachakwikwidza vakamirira bato ravo. Hurongwa uhu huri kuitirwa kwaMutare kuManicaland.

MDC ichatorawo mukana uyu kuparura gwaro rehurongwa hwayo.

Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, avo vamuudza kuti dingindira ravo rwendo rwuno rinoti "Zimbabwe Itsva, Mavambo Matsva".

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG