Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vashanu Vanofira Mutsaona Vari Mumotokari Yemapurisa


Vanhu vashanu vakafa mutsaona yemotokari yakaitikira kuMusina mu South Africa, apo motokari yemapurisa emu South Africa yainge yakavatakura, yakabheuka mushure mekuita tsaona.

Izvi zvinonzi zvakaitika neMugovera. Vanhu ava vaidzoserwa kuZimbabwe nehurumende yeSouth Africa, mushure mekunge vabatwa vachigara zvisiri pamutemo munyika iyi. Zvinonzi vanhu vanodarika makumi matatu vakakuvara mutsaona iyi. Mapurisa emu South Africa haasati aburitsa mazita evanhu vakafa mutsaona iyi, sezvo hama dzavo dzisati dzaziviswa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro nemutungamiri weZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, kuti tinzwe kuti nyaya iyi iri kufamba seyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG