Accessibility links

Breaking News

Inflation Yasvika pa66,000%


Central Statistical Office, (CS0) inoti inflation yakwira kubva pa 26, 000% muna Mbudzi, kusvika pa 66,000% muna Zvita.

CSO yaimbenge yamira kuburitsa inflation muna Gunyana ichiti muzvitoro mainge musina chekupimisa inflation nekuda kwekushomeka kwezvinhu zvekudya nezvimwe. Izvi zvinonzi zvange zvokanganisa zvikuru mabhizimisi kunyanya mabhanga anoda kushandisa inflation pakugadzirisa mabhuku awo.

Doctor Godfrey Kanyenze vanotungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti hurumende iri kuzvisikira moto muziso nekutadza kufambisa hupfumi zvakanaka.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG