Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeWoza neMoza Dzinorohwa Nemapurisa muHarare


Nhengo dzeWoza neMoza dzarohwa zvakaipisisa nemapurisa muHarare mushure mekuda kuratidzira. Mapurisa anonzi akanda utsi hunokachidza pamwe nekuzvambura zvakaipisisa varume nevakadzi ava, apo vanga vogadzirira kufora mumigwagwa yeguta iri, zvaita kuti vanhu vatize.

Vanhu ava vazoungana zvakare paMain Post Office, kunyange hazvo vanga vava vashoma, vakazofora vachienda kumahofisi ebepanhau reHerald, uko vanosiya gwaro renyunyuto nezvaitwa nemapurisa.

Woza neMoza gore rino vari kufora pasi pedingindira rinoti “Stand Up For Your Child”, uye vanoti vari kukurudzira vabereki kuti vasimuke variritire vana vavo, kunyange hazvo zvinhu zvakaoma munyika.

Imwe nhengo yeWoza, Muzvare Clara Manjengwa, avo vapindawo mumugwagwa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti zvaitwa nemapurisa izvi hazvivadzosere shure.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG