Accessibility links

Breaking News

Kushaikwa Kweupfu Munyika Koenderera Mberi


Kushaikwa kwehupfu kuri kuramba kuchienderera mberi sezvo vanogaya upfu vari kushaiwa chibage. Dura renyika reGMB rinonzi harina chibage chakakwana, uye matura madiki eGMB ari mumativi mana enyika, haasi kukwanisa kuwana chibage kubva kudura guru.

GMB yakazivisa kuti yakatenga chibage chakakwana kubva kunze kwenyika, ikati iri kushaiwa zvekutakurisa kuenda kumatura ayo madiki ari mumatunhu.

Pamisika mitema, 10kg yeupfu inonzi iri kuwanikwa nemari iri pakati pe$20 million ne$30 million.

VaSam Ncube vanowe national vice president weAffirmative Action Group, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vari kunyanya kutarisana nedambudziko rekushaiwa upfu iri, vagari vemumaguta.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG