Accessibility links

Breaking News

Kusarudzwa Kwevachamirira MDC Kosiya Vamwe Vakatsamwa


Pave nekusawirirana muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai panyaya yekusarudzwa kwenhengo dzichamirira bato iri musarudzo dzichaitwa musi wa 29 Kurume. Izvi zviri kuitikawo muZanu-PF.

Sekutaura kuri kuita Thomas Chiripasi ari muHarare, kupesana kuri kuitika muMDC kuri kukonzera kuti vamwe vatsigiri vasvibe moyo munguva yesarudzo.

Ukuwo dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzashora vakuru veMDC nehurongwa hwavo hwekutadza kunyatsobata sarudzo idzi zvakanaka.

Asi VaPedzisayi Ruhanya vanova Programmes Manager muCrisis in Zimbabwe Coalition, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti zvakadai zvinotarisirwawo mubato rakakura seMDC.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG