Accessibility links

Breaking News

Sangano Revakarwa Hondo Yerusununguko Ropatsanuka?


Sangano revakarwa hondo reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, iro rinotungamirwa naVaJabulani Sibanda, rinonzi ringango patsanuka zvichitevera kugunun’una kwedzimwe nhengo musangano iri.

Dzimwe nhengo dzesangano iri dzinonzi hadzisi kufara nemafambisirwo ari kuitwa sangano radzo. Chinonzi chiri kunyanya kurwadza vari kuronga kubuda musangano iri kushandiswa kuri kuitwa vakarwa hondo mukuita mabasa ebato reZanu PF, akafanana nekutsvagira rutsigiro mutungamiri weZanu PF uye wenyika VaRobert Mugabe nekusvibiswa kuri kunzi kuri kuitwa zita resangano ravo.

Vari kuronga kubuda musangano iri vanonzi vari kutarisirwa kuzivisa nezvesangano ravo idzva svondo rinouya.

VaMax Mkandla ndivo mutungamiri weZimbabwe Liberators Peace Initiative, rimwe remasangano evakarwa hondo uye vari kubatsirana nevari kuronga kuumba rimwe sangano idzva revaimbove varwiri verusununguko.

VaMkandla vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti sangano iri riri kutarisirwa kuziviswa zviri pamutemo svondo rinouya.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG