Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yozeya Nyaya yaVaMakoni Yekukwikwidza VaMugabe Musarudzo


Politiburo yebato reZanu-PF yakasangana neMuvhuro muHarare kuti izeye nyaya yaVaSimba Makoni, avo vari kuda kukukwikwidzana naVaMugabe musarudzo dzemutungamiri wenyika.

Dzimwe nyaya dziri kukurukurwa dzine chekuita nesarudzo dzema primaries mubato iri. Zvinonzi kunyange hazvo zvave pachena kuti hapana vakuru vebato vakawanda vachabuda mubato vachibatana naVaMakoni, mweya wekufungirana uchiri mubato iri, izvo zviri kupa kuti vakawanda vatadze kuwirirana muZanu-PF.

VaMakoni, avo vakati vachiri nhengo yeZanu-PF, vanoti havana kuenda kumusangano uyu sezvo vasina kukokwa.

Zvinhu hazvina kunyatsomira zvakanak muZanu-PF, sezvo bato iri riri kutadza kuita sarudzo dzema primaries dzakachena.

Doctor Ibbo Mandaza vari kushanda pamwe naVaMakoni.

Dr Mandaza vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti vachakwikwidza musarudzo dzose dzinosanganisa dzemakanzura, nhengo dzeparamende uye dzedare reseneti.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7....

XS
SM
MD
LG