Accessibility links

Breaking News

VaMakoni Vokurudzirwa Kubatana neVamwe Sezvo KuZanu-PF Kusina Chimuko


Vaimbova gurukota rezvehupfumi Doctor Simba Makoni vari kukurudzirwa kuti vashande pamwe nevanopikisa sezvo zvinenge zvave kubuda pachena kuti hapana vakuru vakuru vakawanda vachabuda muZanu-PF vachishanda navo.

Vari pedyo naVaMakoni, vatendawo kuti zvinenge zviri kunetsa kuti vanhu vavainge vati vari kuvatsigira, vabude muZanu-PF.

Mashoko aya ari kutsinhirwawo nevakuru muZanu-PF vari kuti havaoni denga richiwa nekuti vVaMakoni vabuda mumusangano wavo, nekuti vagara havo vasina vakawanda vanovatsigira.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaDewa Mavhinga, vaudzawo mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti igaroziva kuti vanhu veZanu-PF vanoda kuramba vakaita chikwekwe pana VaMugabe kana zvikaoma sei.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7

XS
SM
MD
LG