Accessibility links

Breaking News

VaMakoni Voshorwa Nekupinda Kwavaita Mudariro Rekuda Kutonga Nyika


Kupinda kwaVaSimba Makoni mudariro retsiva dzevari kuda kutungamira nyika, kwasimudzisa mitauro yakawanda munyika nepasi rose.

Vanhu vakasiyana siyana vari kupa maonero avo, vamwe vachiti VaMakoni ndivo vatumwa kuzonunura vana veZimbabwe kubva muhunhapwa hwavakaiswa naVaMugabe neZanu PF.

Vamwewo ndivo vari kuti mwana wenyoka inyoka, sezvo VaMakoni vari kuti vachiri muZanu PF, hapana zvitsva zvavachapa kuvana veZimbabwe kunze kwekuwedzera matambudziko avo.

Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dziri kuti izvi zvinoyamura pakutsemura bato reZanu PF, sezvo pachitarisirwa kuti VaMakoni vangangotora rutsigiro rwavo kubva kubato iri.

Pakuzeya nyaya iyi, Jonga Kndemiiri weStudio 7 aita hurukuro nevanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari Programmes Manager weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisayi Ruhanya, pamwe naVaTapera Kapuya, vanowe Current Fellow weNational Endowment for Democracy muno muAmerica.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG