Accessibility links

Breaking News

VaMakoni Vanoti Inhengo yeZanu PF Yakakwana


Vaimbova gurukota rezvemari uye vari nhengo ye Politburo mu ZANU-PF, Va Simba Makoni, vanoti danho ravakatora rekuti vakwikwidze sarudzo dzemutungamiri wenyika, hazvineyi nehurumende dzekunze dzakaita se America ne Britain.

Sekutaura kuri kuita Thomas Chiripasi uyo apinda mumusangano wavaita nevatori venhau, VaMakoni vatiwo vachiri nhengo yeZANU-PF, uye havasi kuzobuda mubato iri.

Ukuwo nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vari National Director weNCA, VaEarnest Mudzengi, vanoti pamaitiro EZANU-PF, VaMakoni havachisiri nhengo yebato iri. VaMudzengi vanoti Zanu PF haitecedzeri zviri mubundiro remitemo yenyika, asi kuti inoita zvinenge zvataurwa naVaMugabe.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMudzengi kuti tinzwe kuti zvinoreveyi kana VaMakoni vachiti vachiri nhengo yeZANU-PF, ivo vachida kukwikwidza VaMugabe, izvo zvakarambwa nebato iri.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG