Accessibility links

Breaking News

Mikono Yoburitsirana Makano Musarudzo dzeZanu PF


Bato reZanu-PF rapindwa nekusawirana kwakanyaya nekuda kwema primary elections izvo zvapa kuti riwedzere nguva yekuti sarudzo idzi dziitwe nemazvo sezvo pave nemutauro.

NeChitatu, vaimbova varwiri vorusununguko uye vatsigiri veZanu-PF vakaratidzira muBindura nepamuzinda webato iri muHarare, vachiti havasi kufara nezviri kuitwa nevamwe vakuru vebato iri vachitungamirwa naPolitical Commissar vebato iri, vaElliot Manyika, avo vari kunzi vari kuita kuti vamwe vanhu vabiridzire musarudzo.

Kunzvimbo dzakaita seMashonaland Central, Mashonaland West, Mashonaland East, Bulawayo neMasvingo, kwange kuine kugununu’na kwakanyaya, uye vanhu vakawanda vari kupikisa zvakabuda musarudzo idzi.

Vane ruzivo nezviri kuitika mubato iri vanotiwo mamwe makurukota ehurumende akakundwa musarudzo, ari kukanganisa zvinhu achifunga kuti pada vangashandise chisimba chavo kuti vakunde musarudzo dzikaitwa patsva.

Nyaya yaVaSimba Makoni inonziwo iri kuwedzera kuti Zanu PF ipindwe nechando sezvo vanhu vave kungonakurirana nyoka mhenyu vachipumhana huroyi panyaya yevari kufungidzirwa kuti vari kutsigira VaMakoni.

VaPedzisayi Ruhanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari programmes manager weCrisis in Zimbabwe Coalition.

VaRuhanya vaudza mutori wenhau dzeStudio7 Blessing Zulu kuti zviri pachen kuti Zanu-PF yapindwa napongwe uye VaMugabe vave kutadza kuibatanidza.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG