Accessibility links

Breaking News

Nominations Court Yogara neChishanu Svondo Rinouya


Hurumende yawedzera nesvondo rimwe chete, zuva richagara ma nominations court apo achatambira mazita evanhu vari kuda kukwikwidza musarudzo.

Nyanzvi munyaya dzemitemo yesarudzo dzinoti kuwedzerwa kwenguva iyi, kunorevawo kuti nguva yekuongorora voters roll pamwe nekunyoresa sevavhoti, inofanirwa kuwedzerwawo.

Gurukota rezvemitemo, Va Patrick Chinamasa, vanoti izvi zvaitwa nepamusana pekuti mapato eZANU-PF neMDC, akabvumirana kuti nguva iyi iwedzerwe. Asi vanoongorora zviri kuitika, vanoti nyaya yakaendeswa kumatare edzimhosva naMai Margareth Dongo naVa Jonathan Moyo, yekupikisa zuva rakanga ratarwa, ndiyo yaita kuti hurumende itore danho iri. Zvisinei, Mai Dongo vati havasi kuzobvisa nyaya iyi kumatare edzimhosva, sezvo paine zvizhinji zviri kuitwa nehurumende, zvisiri pamutemo pakugadzirira sarudzo idzi.

Vamwewo vanoti izvi zvaitika nekuti ZANU-PF pachayo yatarisanawo nematambudziko, pakutsvaga vachamirira bato iri musarudzo mune dzimwe nzvimbo.

Mutori wenhau weStudio7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaTafadzwa Mugabe, gweta musangano re Zimbabwe Lawyers for Human Rights, kuti tinzwe kuti mutemo unoti kudii panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG