Accessibility links

Breaking News

ZESN Yokurudzira ZEC Kuwedzerwa Kwemazuva Ekuongorora Voters Roll


Sangano reZESN riri kukurudzira Zimbabwe Electoral Commission kuti iwedzere mazuva ekuti vanhu vakwanise kuongorora kuti mazita avo muvoters roll.

VeZESN vanoti voter’s roll inspection iyo iri kufanirwa kupera musi we China, inofanirwa kuwedzerwa nemamwe masvondo matatu, sezvo kutarwa kwakaitwa kwemiganhu yenzvimbo dzekuvhotera kwaita kuti vanhu vazhinji vatenderere misoro.

Izvi zviri kuwedzerwa nekuti ZEC haina kukwanisa kubuditsa magwaro akawanda ekutarwa kwemiganhu kuti vanhu vazhinji, vazive kuti vanofanirwa kuvhotera munzvimbo dzipi.

Ukuwo mutauriri weMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, VaGabriel Chaibva, vanoti vari kutenderanawo neZESN kuti mazuva echirongwa ichi awedzerwe, asi vanoti bato ravo harisati rawana gwaro re voter's roll, iro riri kuita 100 million dollars pa CD rega rega.

Va Dennis Murira ndivo elections director mu MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

VaMurira vaudza Carole Gombakomba weStudio7 kuti vari kutenderana nezviri kutaurwa neZESN, asi vanoti vari kushushikanawo nemari iri kudiwa yekuti vawanewo magwaro evoters roll arikutengeswa neZEC, sezvo ivo vari kuda magwaro anosvika 2 000.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG