Accessibility links

Breaking News

Bishop Bakare Vogadzwa Semutungamiri weAnglican Church muHarare


Bishop Sebastian Bakare vakagadzwa zviri pamutemo semukuru achafanotungamira Harare Diocese neSvondo ku City Sports Centre. Izvi zvakaitika mushure mekunge hurongwa uhu, hwatadziswa nevanofungidzirwa kuti vasori pamuzinda we Anglican Cathedral.

Studio7 yakaburitsa nyaya yekuti hurongwa uhu hwakavhiringidzwa nemhirizhonga yakaitika. Zvinonzi payiitika mhirizhonga iyi, Bishop Nolbert Kunonga, vaive pamuzinda uyu, uye Bishop kunonga havana kutsika gumbo ravo pamuzinda uyu. Hatina kukwanisa kunzwa divi raBishop Kunonga

Bishop Bakare vakagadzwa na Archbishop Albert Chama sa Acting Vicar-General we Harare Diocese.

Vanoona nezve kuburitswa kwemashoko muAnglican Church, VaPrecious Shumba, vanoti Bishop Kunonga vakanyorera Bishop Chama tsamba yekuvatyisidzira. Hatina kukwanisa kunzwa divi raVa Kunonga panyaya iyi.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaShumba kuti tinzwe mafambiri akaita zvinhu kuCity Sports Centre.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG