Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanoda Kuvhota Voshaya Magwaro Anodiwa Kuti Vanyorese Mazita Avo


Apo kwasara mashoma ekuti vanhu vanyorese kuti vazokwanise kuvhota, sangano re Combined Harare Residents Association, kana kuti CHRA, rinoti vamwe vanhu vachiri kungosangana nematambudziko, izvo zvinoreva kuti vamwe vachatadza kuvhota musarudzo dzemuna Kurume.

CHRA, iyo iri kukurudzirawo vanhu munyika kuti vanyorese, inoti vanhu vazhinji munyika vakatarisana nezvipingaidzo zvakawanda, izvo zvinogona kuvatadzisa kunyoresa.

CHRA, inoti dambudziko rakanyanya muHarare nemamwe maguta, sezvo vanhu vazhinji vakapunzirwa dzimba dzavo muOperation Murambatsvina, vasisina nzvimbo dzakatsarukana dzekugara, izvo zviri kuita kuti vatadze kuendesa magwaro anodiwa nehofisi yaRegistrar General,anoratidza kero dzavo.

VaBarnabas Mangodza ndivo Chief Executive Oficer veCHRA.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaMangodza kuti tinzwe matambidziko ari kusangana nevanhu.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG