Accessibility links

Breaking News

Madhuku: MDC Yozvikanda Mukanwa Mamupere


Mamwe masangano akazvimirira oga anomboshanda neMDC, anoti kutadza kubatana kweMDC kuchakanganisa bato iri zvikuru mukuyedza kukunda VaMugabe musarudzo. Vemasangano eNCA neChristian Alliance vanoti nyaya yekuda zvinzvimbo, uye kusawirirana kwevakuru vezvikwata zviviri izvi, ndiko kwakapa kuti vatadze kuwirirana zvachose.

Mutauriri weChristian Alliance, Reverende Ray Motsi, avo vakasangana nezvikwata zviviri izvi neMuvhuro, vaudza Studio 7 kuti vachaedza kuti zvikwata zviviri izvi zvitaurirane kana sarudzo dzapera, nekuti kuda kuita izvi ikozvino, kuteya nzou neriva.

Sachigaro weNCA, Doctor Lovemore Madhuku, vaudzawo mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti kubatana kana kusabatana kweMDC, VaMugabe vanokunda nekuti vanobiridzira sarudzo dzose dzinoitwa munyika.

Dzimwe Khau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG