Accessibility links

Breaking News

PTUZ Inoti Varairidzi Vari Kushungurudzwa neMapurisa Pamwe neVasori


Sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ, rinoti nhengo dzaro dzehutungamiri hwematunhu dziri kushungurudzwa nemapurisa, pamwe nevasori apo dziri kupinda muzvikoro dzichisangana nevarairidzi vari pasi pesangano iri.

Izvi zvinotevera kumbochengetedzwa kwevatungamiri vesangano iri nemapurisa kuMasvingo, kudanwa kumapurisa kwemutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, pamwe nezvimwe zviitiko mumatunhu akasiyana siyana.

Ukuwo, munyori anoona nezve dzidzo muMDC, VaFidelis Mhashu, vatiwo hurumende inofanirwa kunzwa zvichemo zvevadzidzisi, sezvo mari dzavari kutambira dziri shoma.

Varairidzi vave nemasvondo maviri vachiramwa mabasa vachiti vari kuda kuti mari dzavanotambira dziwedzerwe. PTUZ inoti varairidzi vari kuda kuti mari dzavo dzemihoro dzitangire pa$1,7 billion pamwedzi.

VaZhou vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti kuramwa mabasa kuri kuenderera mberi kunyange hazvo ZIMTA iri kufamba muzvikoro ichiudza varairidzi kuti kuramwa mabasa kwamiswa.

Asi mutungamiri weZIMTA, Amai Tendai Chikowore, vanotiwo nhengo dzavo hadzisi pakuramwa mabasa uye varamba mashoko ePTUZ ekuti nhengo dzesangano ravo dziri kuudza varairidzi kuti kuramwa mabasa kwamiswa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG