Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kunotarisa Mazita Avo muVoters Roll


Vanhu vakatanga kuongorora gwaro revavhoti kana kuti voters roll, neChishanu munzvimbo dzose dzemunyika. Asi kune dzimwe nzvimbo dzakaita seBindura, zvinonzi zvange zvichinetsa kuti vanhu vanonyorese, kana kuongorora voters roll.

Kuongororwa kwegwaro iri kuri kutarisirwa kupera musi wa 7 Kukadzi. Kekutanga munhoroondo yenyika, vanhu vachange vachivhotera vanhu vana pazuva rimwe, vanoti mutungamiri wenyika, nhengo yeparamende, kanzura uye seneta.

Kunyange hazvo sarudzo dzakanzi nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, dzichaitwa musi wa 29 Kurume, bato rinopikisa reMDC rinoti richasangana neMugovera kuti rizeye nyaya yekuti ropinda musarudzo here kana kuti kwete.

Izvi zvinotevera nyaya yeVaMugabe yekuita zano ndega pakutara zuva resarudzo, kunyange hazvo mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vange vachiedza kuti mapato eMDC neZanu-PF, ataurirane kuti sarudzo dzisaite mutauro.

Mukuzeya nyaya yekuvhota, pamwe nekunyoreswa kwemazita evachavhota, Blessing Zulu weStudio 7 aita hurukuro naMuzvare Jestina Mukoko, vanova National Director weZimbabwe Peace Project, pamwe naMuzvare Gladys Hlatshwayo, Advocay Officer weCrisis in Zimbabwe Coalition avo vakurudzira vanhu kuti vaende kunoongora gwaro revavhoti.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG