Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vowedzera Mari Dzinotambirwa neMauto neMapurisa


Hurumende inonzi iri kuwedzera mari uye kupa motokari kuvakuru vemauto, pamwe nemapurisa apo nyika yatarisana nesarudzo. VaMugabe vari kuita izvi kunyange hazvo hupfumi husina kumira zvakanaka munyika.

Pane mashoko ekutiwo ma war veterans ayo anowanzoshandiswa naVaMugabe pakutsvaga rutsigiro, awedzerwawo mari kusvika pamamiriyoni mazana maviri emadhora pamwedzi.

Sachigaro wema war vets, VaJabulani Sibanda, vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti vakawedzerwa mari asi vakasununguka kutaura nezvayo neChishanu. VaMugabe vawedzerawo nemakore matatu temu yemukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, zvichitevera kutambirwa kwemutemo weConstitutional Ammendment Number 18.

VaMugabe vakawedzerawo nemakore matatu matemu emukuru wemauto munyika, VaConstantine Chiwenga, pamwe nemukuru wemauto epasi, VaValerio Sibanda. Apo hurumende iri kupfachura mari kudai, makambani akawanda, kunyanya emigoghi, anonzi avhara sezvo ZESA isiri kuvapa magetsi. Ukuwo chikwereti chehurumede munyika, chasvika pa Z$21 trillion.

Doctor Godfrey Kanyenze nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda ne sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

Doctor Kanyenze vaudza mutori wenhau weStudio 7, Blessing Zulu, kuti zviri kuitwa nehurumende zvichakonzera kuti hupfumi hwenyika huende kumawere.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG