Accessibility links

Breaking News

VaMbeki Vosuma SADC Nezve Nhaurirano dzeMDC neZanu PF


Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vanonzi vaita hurukuro nevatungamiri venyika dzemu SADC, avo vari kumasagano weAfrican Union.

VaMbeki vanonzi vabata bata nyaya yenhaurirano dziripo pakati peZANU-PF neMDC.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura nemutauriri waVaMbeki, VaNomfanelo Kota, kuti tinzwe zvimwe zvataurwa naVaMbeki.

Asi mashoko atiri kutambira anoti VaMbeki pamwe negurukota ravo rinoona nezve kunze kwenyika, Amai Nkosazana Dhlamini-Zuma, vasanganawo nekomiti ye SADC inoona nezve matongerwo enyika, pamwe nekudzivirirwa kwedunhu iri.

Va Alois Mbawara ndivo Coordinator we Free Zimbabwe Youth, avo vari ku Addis Ababa ku Ethiopia.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMbawara kuti tinzwe kuti zvinhu zviri kufamba seyi ku Ethiopia.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG