Accessibility links

Breaking News

MDC Youdza African Union Mamiriro Akaita Zvinhu Munyika


Vamiriri veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, vari mu Addis Ababa, umo vari kuyedza kutaura nevatungamiri venyika dzemu Africa pamusoro pemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.

Munyori anoona nezve kudyidzana nedzimwe nyika mubato iri, Professor Eliphias Mukonoweshuro, havana kuda kutaura kuti vasangana nevatungamiri venyika dzipi.

Patience Rusere weStudio Seven, aita hurukuro naVaMukonoweshuro kuti mafungiro avo pane zvavari kuita ku Addis Ababa, pamwe nemaonero avo panyaya yekuti VaMbeki vachasvitsa nyaya yeZimbabwe kumusangano we African Union.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG