Accessibility links

Breaking News

Vemachechi Vomutsiridza Hurongwa Hwekuyananisa MDC neZanu PF?


Vatungamiri vemachechi vatanga kuzeya mamiriro akaita zvinhu apo nyika iri kugadzirira sarudzo dzemuna Kurume.

Vamwe vatungamiri vemakirike vataura neStudio 7 vanoti havasi kufara zvachose nedanho rakatorwa nehurumende rekuita madiro ajojina pakutara zuva resarudzo, pamwe nekuramba kuumba bumbiro idzva remitemo yenyika, sarudzo dzisati dzaitwa.

Nhengo dzeZimbabwe National Pastor’s Conference-ZNPC dzaita musangano neChipiri, muBulawayo wekuzeya nyaya iyi, ukuwo nhengo dze Christian Alliance, dziri kutarisirwa kuitawo musangano wadzo neChitatu wekuzeya mamiriro akaita zvinhu.

Reverend Ray Motsi ndivo sachigaro ve ZNPC pamwe ne Save Zimbabwe Campaign musangano re Christian Alliance.

Mutori wenhau dzeStudio 7, Carole Gombakomb,a aita hurukuro naReverend Motsi kuti tinzwe pavakamira.

Ukuwo vamwe vatungamiri vemachechi vanoti kufa kwaita nhaurirano pakati peZANU-PF neMDC, idzo dziri kutungamirirwa naVaThabo Mbeki, kungangoita kuti vamutsiridze kuedza kwavo kuyananisa vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika, kuitira kuti munyika muve nerunyararo.

Bishop Trevor Manhanga veEvangelical Fellowship of Zimbabwe, vanoti vane chivimbo chekuti vemachechi vangangounza kutaurirana pakati pemapato ezvematongerwo enyika. Bishop Manhanga vati vatungamiri vemachechi vose munyika, vane chishuwo chekuti zvinhu zvigadzikane munyika, izvo vati zviri kuvapa chivimbo chekuti zvinhu zvinogona kuitika.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisayi Ruhanya, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti uku kurota vachiyamwa kuri kuitwa nevemachechi sezvo hurumende isiri kuvapa nzeve, sezvakamboita makore apfuura.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG