Accessibility links

Breaking News

Mikono yeZanu PF Yobayana Musarudzo Dzekutsvaga Vachamirira Bato


Mashoko atiri kutambira anoti nyaya yekutsvaga vanhu vachamirira Zanu PF musarudzo dzemuna Kurame, yatsviridza zvikuru zvokuti mimwe mikon yatotanga kobowa kare. Bato iri rinoti rakatanga hurongwa uhu mukupera kwesvondo, kunyange hazvo mutevedzeri wemukuru anoona nezvemabasa ezvematongerwo enyika, kana kuti political commissar, VaRichard Ndlovu, vachiti bato ravo riri kutora mazita evanhu vari kuda kukwikwidza musarudzo dzebato, kuitira kuti vazomirira ZANU-PF musarudzo dzemuna Kurume.

Bepanhau re Herald rinoti mumazuva maviri apfuura, bato iri ranga richiita ma primaries, munzvimbo dzemumatunhu akasiyana siyana munyika. NeMuvhuro vana sachigaro vematunhu makuru vanonzi vakaita musangano muHarare, wekuzeya zvakabuda muma primaries aya.

Sachigaro veMashonaland Central, Va Chenhamo Chimutengwende, vakaudza bepanhau reHerald neMuvhuro kuti dunhu ravo rave pedyo nekupedza kusarudza vose vachamirira ZANU-PF mumakanzuru.

Nzvimbo dzakaita seChinhoi, Kariba neKaroi, dzinonzi dzakatopedza kuita sarudzo idzi. KuBulawayo, kunonziwo kwaita mutauro muma primaries aya ekugadzirira sarudzo dzegore rino, idzo dziri kuitwa musi wa 29 Kurume.

Asi VaNdlovu vaudza Studio 7 kuti bato ravo harisi kuita ma primaries, asi kungoti chete riri kunyoresa mazita evari kuda kukwikwidza musarudzo idzi, izvo zvinopikisana nemashoko akataurwa nemukuru wavo, VaElliot Manyika.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naVaFarai Maguwu, avo vanoongorora zvematongerwo enyika, uyezve vari Executive Director ve Center for Research and Development kuti tinzwe pfungwa dzavo.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG