Accessibility links

Breaking News

Supreme Court Inopa Mutongo Wekuti Hurumende Itore Purazi raVaCampbell


Dare repamusorosoro, kana kuti Supreme Court, yaakarasa nyaya yaVaMike Campbell, avo vari kupikisa kudzingwa kwavo papurazi ravo nehurumende.

Mutongo uyu wakapihwa mushure mekunge dare reSADC Tribunal raudza hurumende kuti isabvise VaCampbell papurazi ravo kudzamara nyaya iyi yapera mudare iri. Registrar weSADC Tribunal, Justice Charles Mkandawire, vanoti kana chiri chokwadi kuti Supreme Court yeZimbabwe yapa mutongo wakadai, VaCampbell vanofanirwa kukwidza nyaya yavo kuSADC.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro na Advocate Eric Matinenga, kuti tinzwe kuti vanofungei nezvaitwa ne Supreme Court.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG