Accessibility links

Breaking News

MDC Yopokana Nezvimwe Zviri muDelimitation Report


MDC inotungamirwa naVaArthur Mutamabara inoti iri pakati pekuzeya gwaro rekutarwa kwemiganhu, kunyange hazvo hurumende yakakundikana kubuditsa magwaro akawanda kuti vanhu vakwanise kuriongorora.

Bato iri rinoti riri kufadzwa nekutarwa kwakaitwa miganhu munzvimbo dzakaita se Buhera, nedzimwe nzvimbo, idzo vanoti dzanga dzakanyanya kukura muManicaland.

Asi bato iri rinoti harisati razeya kutarwa kwemiganhu mudzimwe nzvimbo dzakaita se Matebeleland, Midlands, neMashonaland.

Mutori wenhau weStudio 7 Carole Gombakomba aita hurukuro naVaGabriel Chaibva, mutauriri webato iri, nezveongororo yavo iyi.

Tichiri panyaya iyi, bato re ZANU-PF rinotiwo ratopedza kuongorora vachapinda musarudzo dzemakanzura musarudzo dzemuna Kurume. ZANU-PF inoti pakupera kwesvondo rino, vachaongorora zvakare vachamirira bato iri musarudzo dzekutsvaga vamiriri veparamende, pamwe nevedare resenate mumatunhu matsva aya.

Carole Gombakomba abatawo National Director wezvesarudzo muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDennis Murira, kuti tinzwe pakamira bato ravo pagadziriro yesarudzo, pamwe neongororo yavo yegwaro rekutarwa kwemiganhu iro ranga rakatarisirwa kutambirwa zviri pamutemo neChina.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG