Accessibility links

Breaking News

Magetsi Oramba Achinetsa Munyika


Kunyange hazvo kambani yeZESA yakati magesti achange adzoka manheru eChipiri, pane nzvimbo dzakawanda munyika dzisina magetsi. Ongororo yaitwa neStudio7 muHarare, yaburitsa pachena kuti dzimwe nzvimbo dzange dziine magetsi, asi nzvimbo dzakaita seKamfinsa neGlen Veiw dzanga dzisina magetsi.

Vagari vemuBulawayo vanotiwo guta iri range riine magetsi munzvimbo dzakawanda, kunyange hazvo marobhoti akawanda anga asingashande. Zvinonziwo dambudziko rekushaya magetsi kwaMutare ranga rakakurisa zvikuru. Vagari vekwaMutare vanoti kwanga kusina magetsi munzvimbo dzakaita se Darlington, Dangamvura, Chikanga nekuFairbridge, nedzimwe nzvimbo mukati meguta iri.

Patience Rusere veStudio Seven aita hurukuro nemutauriri weCombined Harare Residents Association, VaMfundo Mlilo, kuti tinzwe kuti zvinhu zvakamira seyi muHarare panyaya yemagetsi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG